Accessibility links

Breaking News

VaMumbengegwi Vopindira Munyaya Dzekushaikwa Kwemari Munyika


Gurukota rezve mari, VaSamuel Mumbegegwi, neChipiri vakapa vemabhanga svondo rimwe chete kuti mitsetse iri kuonekwa iri pamabhamnga inge yapera.

Vakati bhanga rinenge ratadza kuita izvi, richatorerwa matanho akaomarara. Mashoko aVaMumbengegwi aya anouya mushure mekunge gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vati mabhanga ndiwo ari kukonzera matambudziko emari ari munyika sezvo vasiri kutora mari kubva kuRBZ.

Studio 7 yatadza zvakare kubata sachigaro weBankers Association of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, sezvo vanga vari mumusangano.

Asi nyanzvi mune zveupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanoshanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mhosva haisi yemabhanga, asi kuti zvirongwa zvakaiswa neRBZ ndizvo zviri kukonzera matambudziko ari munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG