Accessibility links

Breaking News

Muzvare Gertrude Mthombeni Vakavigwa neChipiri muBulawayo


Nhengo yeNational Executive Council ye MDC, uye vari munyori we Environment and Tourism, Muzvare Gertrude Mthombeni, vakaradzikwa neChipiri ku Athlone Cemetry muBulawayo.

Zviuru nezviuru zvevanhu vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, sachigaro veNCA, Doctor Lovemore Madhuku, mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaGibson Sibanda, vanhu vanorwira kodzero dzevanhu, vashandi veZESA, vechidiki, pamwe nevanhuwo zvavo, vakaungana pakuradzikwa kwaMuzvare Mthombeni.

Muzvare Mthombeni vakashaya neMugovera kuchipatara cheMater Dei muBulawayo. Muzvare Mthombeni vaizivikanwa zvikuru nebasa ravo rekurwira kodzero dzevashandi, pamwe nekutsvaga nzira dzekusunungura zvizvarwa zveZimbabwe kubva muhutongi hwaVa Mugabe, pamwe nekukurudzira mabasa evechidiki, pamwe neevanhukadzi.

Mutevedzeri wemutauriri we MDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti Muzvare Mthombeni vaive munhu akashinga, uye zvichanetsa kuwana munhu akaita samuchakabvu. Muzvare Khumalo vakashanda naMuzvare Mthombeni kwemakore makumi maviri.

Muhurukuro yavaita naPatience Rusere weStudio7, Muzvare Khumalo vanoti Muzvare Mthombeni vakachemwa segamba chairo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG