Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Pamberi Nekuratidzira neChitatu


Dare re magistrate court rambomira kupa mutongo panyaya yakwidzwa zvechimbi chimbi kudare iri neMDC ichipikisa kurambidzwa kwairi kuitwa mapurisa kuti iratidzire neChitatu.

Dare iri rati nyaya iyi ichanzwikwa neChitatu na 10 mangwanani kunyange hazvo kuratidzira kweMDC kuri kutarisirwa kutanga na12:30 masikati. Mapurisa aimbenge apa MDC mvumo yekuratidzira, ndokuzorova nhendeshure achiti pangazoita mhirizhonga.

MDC inoti iri kuda kuratidzira sezvo isiri kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika, uye iri kuda kuti paitwe bumbiro remitemo idzva pasati paitwa sarudzo. MDC inodazve kuti zuva resarudzo riendeswe mberi.

Vachitaura neStudio7 neMuvhuro, munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanoti vakagadzirira kurohwa nemapurisa vachiratidzira pane kusiya mapurisa achityora mitemo yenyika.

Mapurisa nemauto anonzi audzwa kuti agare akadzipakatira kuitira kurambidza vanhu kuratidzira sezvo zviri kutyirwa kuti vanhu ava vanozoguma vototi mutungamiri wenyika achisiya basa.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti vachapinda mumugwagwa sezvo MDC isina giya rekudzokera kumashure panyaya iyi.

Mutori wedu wenhau, Blessing Zulu aita hurukuro naVaAlec Muchadehama, gweta riri kumirira MDC, vanoti vashamisika nezvaitwa nematare zvekusatonga nyaya iyi nechimbichimbi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7.

XS
SM
MD
LG