Accessibility links

Breaking News

VaGono Vopumha Mabhanga Huroyi Padambudziko Remari


Gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vanoti matambudziko ekushomeka kwemari ari munyika pari zvino, ari kukonzerwa nevemabhanga avo vasiri kutora mari kubva kuReserve Bank of Zimbabwe.

VaGono vakataura mashoko aya neMuvhuro, apo vairatidza vatori venhau, vemabhanga pamwe nevatungamiri vemabhizimusi mari dziri mumatura avo, idzo vanoti dzakangogara pasina vemabhanga vari kudzitora.

Vakapomerawo vemabhanga mhosva yekuita mabhindauko asina kufanira nemari dzevanhu. Izvi zvinopikisana nemashoko akambotaurwa naVaGono masvondo apfuura ekuti vanhu vari kuchengetera mari mudzimba, ndivo vari kukonzera matambudziko ekushaikwa kwemari.

VaGono vaifanirwa kumira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezve mari kuitira kuti vatsanangure zviri kutora nzvimbo munyaya dzemari yemunyika. VaGono vakanga vavimbisawo veruzhinji kuti vaizodoma mazita evakuru vakuru vari kuita zvehuori munyaya dzemari.

Asi zvinonzi hurumende yakaudza paramende kuti isavamise pamberi pekomiti iyi, izvo zvakagumbura vanhu vakawanda pamwe nenhengo dzekomiti iyi.

Studio 7 yatadza kubata sachigaro weBankers Association of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, sezvo vanzi vari mumusangano.

Asi Amai Marah Hativagoni, mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce uye vakashanyirawo RBZ neMuvhuro, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti RBZ ine mhosvawo yekutadza kuronga zvinhu nemazvo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG