Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vonanga kuSADC Troika Sezvo VaMugabe Vaomesa Musoro


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vave kutarisirwa kukwidza nyaya yegakava pakati peMDC neZanu-PF kuSADC troika. Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakakurudzirawo neSvondo kuti VaMbeki vadzokere kuSADC.

Izvi zvinotevera kusawirirana kweMDC ne Zanu-PF panyaya yezuva resarudzo uye bumbiro remitemo yenyika. Asi vakuru muZanu-PF vanoti hapana chavanoona chichachinja kuSADC troika sezvo sachigaro vayo vari mutungamiri weAngola, VaEduardo dos Santos, avo vanova sahwira waVaMugabe.

VaTapera Kapuya vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda neNational Endowerment for Democracy muWashington DC.

VaKapuya vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti kuenda kuSADC Troika kurovera hoko padehwe retsindi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG