Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inorambidza VaGono Kumira Pamberi Pekomiti Yeparamende


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vatadza kumira pamberi pekomiti yaparamende inoona nezve mari sekuvambisa kwavakange vakaita.

VaGono vakanga vati vanoda kuburitsa mazita evanhu vari kuchengeta mari dzakawandisa mudzimba dzavo, izvo zviri kupa kuti nyika ishaye mari yakakwana.

Mutori wedu wenhau Slyvia Manika anoti VaGono havana kuzivisa zvikonzero zvapa kuti vatadze kumira pamberi pedare rekomiti iyi.

Asi vamwe vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti VaGono varambidzwa kumira pamberi pedare iri nehutungamiri hwenyika, uhwo hwakazivisa paramende nezvedanho iri nemusi weChitatu.

Nhengo yeNkayi muparamende uye vari nhengo yekomiti yeparamende yezve mari, VaAbednico Bhebhe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvinoratidza nyika yose kuti vari kuchengeta mari inhengo dzepamusoro muhurumende.

Ukuwo muongorori wezvematongerwo enyika, uye vari Programs Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vaudza zvakare Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hutungamiri hwehurumende hwarambidza VaGono kusangana nekomiti iyi sezvo hwatya kufumurwa hwatarisana nesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG