Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Anotadza Kupedza Nyota Yemari Iri Muvanhu


Mabhanga mazhinji ange achipa vanhu mari inosvika $500 million zvichitevera mutemo mutsva wakatarwa nebhanga guru renyika.

Asi izvi hazvina kupedza mitsetse mirefu iri kugara iri mumabhanga apo vanhu vanenge vachida kutora mari dzavo. Mabhanga mazhinji muHarare anonzi anga aine mari itsva yabva kuRBZ munguva dzemangwanani uye mari yatanga kuwanikwa ndeye $10 million.

Kutanga neChishanu, RBZ yakati munyika munenge mava nemari itsva yemabearer cheque ye$1 million, $5 million ne$10 million.

MuBulawayo zvinhu zvinonzi zvanga zvakangofananawo nekuHarare sezvo mitsetse yaramba yakangokura mumabhanga. Mamwe mabhanga emuBulawayo anonzi anga achibvumidza vanhu kutora mari inongoita $50 million chete, kunyange hazvo RBZ yakabvumidza kuti mari iyi ikwire kusvika pa$500 million pamunhu pazuva.

Mumwe mushandi wekubhanga, VaEdward Karimupfumbi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvinhu zvingangoreruka kutanga Mugovera, sezvo vanhu vazhinji vanga vachitora mari yavo yose yanga iri mumabhanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG