Accessibility links

Breaking News

MDC-Mutambara Yotsutsumwa Negwaro Remiganhu Yenzvimbo Dzichaitirwa Sarudzo


MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, inoti pane zvaisiri kufara nazvo mugwaro re Delimitation Preliminary Report rakabuditswa neChitatu.

Ukuwo vamwe vari mubato re MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, vanoti sematauriro akamboita bato ravo, haritambiri gwaro iri rekutarwa kwemiganhu,iro rakaturwa kuna VaMugabe nekuparamende.

Semuenzaniso, gwaro iri rinoratidza kuti Harare yakaganhurwa kuti ive nematunhu ekuvhoterwa makumi maviri nemapfumbabwe, Bulawayo gumi nemaviri, Matebeleland North, gumi nenhatu, Matebeleland South gumi nenhatu, Manicaland makumi maviri nematanhatu, Masvingo makumi maviri nematanhatu, Midlands makumi maviri nemasere, Mashonaland Central gumi nemasere, Mashonaland East makumi maviri nematatu neMashonaland West, iyo yave nemakumi maviri nemairi.

Pakupeta gwaro ravo, ve ZEC vakati vanenge vaine zvichemo vanofanirwa kuenda kwavari, asi zvinonzi hapana mukana wekupikisana navo, sezvo vachiti vakataura nevose vane chekuita nesarudzo idzi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaGabriel Chaibva mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG