Accessibility links

Breaking News

Reserve Bank of Zimbabwe Yotura Mari Itsva neChishanu


Bhanga guru renyika neChitatu rakaparura ma bearer’s cheque matsva anoti e$1 million, $5 million ne$10 million, senzira yekuedza kurerutsa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika. Macheki matsva aya ari kutanga kushandiswa neChishanu.

RBZ yakakwidzawo zvakare mari dzinokwanisa kutorwa nemunhu kubhanga pazuva, kubva pa$50 million kusvika pa$500 million.

Asi nyanzvi dzezve upfumi dzinoti izvi zvinongorerutsa dambudziko iri kwenguva pfupi, asi zvisingagadzirisi kuparara kwesimba remari, kukwira kwemitengo yezvinhu, pamwe nekushaikwa kwemari yekunze.

Masvondo matatu apfuura, dura remari yenyika rakaparura hurongwa hwemari inotangira pa$250 000.00, $500 000.00 ne$750 000.00 mushure mekunge munyika maita dambudziko rekushaikwa kwemari.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vaudza Jonga Knademiiri weStudio 7 kuti RBZ inofanirwa kumisa kuparara kwehuremu hwemari yemunyika kuti igadzirise zvinhu munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG