Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Votadza Kudzokera Kumabasa Nekushaya Mari Yekufambisa


Sangano reZIMTA rinoti nhengo dzaro zhinji dziri kutadza kudzokera kumabasa kubva pakavhurwa zvikoro neChipiri, nepamusana pekushaya mari mumabhanga.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro dzinoshandira kumatunhu ari kunze kwemaguta dzinoda mari yakawanda kuti dzikwanise kudzokera kumabasa, asi mabhanga ari kudzipa mari shoma-shoma isingakwani kufambisa.

Sangano iri rinotiwo zvimwe zvikonzero zvinogona kunge zvichiita kuti varairidzi vatadze kudzokera kumabasa, inyaya yavo yekunyunyuta nemari yavakawedzerwa nehurumende, iyo vanoti ishoma.

Sangano rePTUZ neChipiri rakazivisa kuti varairidzi vakanga vari pabasa, asi vasiri kushanda nemwoyo wese, vachimirira kuona kuti hurumende ichavapa here mari dzavari kuda pavanotambira musi wa 22 Ndira.

Varairidzi vari kuda kuti murairidzi anotambira mari iri pasi pasi, atambire mari inotangira pa$526 million pamwedzi. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezve dzidzo, VaAaenias Chigwedere, kuti ichaita seyi nedambudziko riri kutaurwa nevarairidzi

Munyori weZIMTA, VaRichard Gundani, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vamwewo varairidzi vanogona kunge vakabuda kunze kwenyika vachinotsvaga mafuro manyoro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG