Accessibility links

Breaking News

MDC-Mutambara Inoti Yakagadzirira Kupinda Musarudzo Dzemuna Kurume


Bato reMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara rinoti rakagadzirira kupinda musarudzo muna Kurume, zvisinei nekuti MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai nemamwe masangano akazvimirira oga, vari kuti sarudzo idzi dzinofanirwa kuendeswa mberi, sezvo pasina nguva yakakwana yekugadzirira.

Vanoongorora mitemo yesarudzo vanotiwo hasvisati zvava pachena, uye vachiri kuzeya kuti mutemo unoti kudii kubva panodaidzirwa zuva resarudzo nemutungamiri wenyika, nepanozofanirwa kuitwa sarudzo idzi, zvichienderana nekuvandudzwa kwakaitwa mitemo yesarudzo.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, Va Gabriel Chaibva, vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, kuti bato ravo rakagadzirira kupinda musarudzo muna Kurume, kana kuti chero ipi nguva zvayo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG