Accessibility links

Breaking News

Ambassador McGee Vobayira Zani Vatori Venhau Panyaya Yesarudzo


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaJames McGee, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kugadzirisa nyaya dzemafambisirwo esarudzo kuitira kuti zvichabuda musarudzo dzegore rino, zvifadze vanhu vese munyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, Ambassador McGee vataura mashoko aya pamusangano wekuzeya maburitsirwo enhau dzine chekuita nesarudzo.

Zvidzidzo izvi zvanga zvichitungamirwa mudzidzisi wepa National Umiversity of Science and Technology, Professor Elinor Burkett, avo vanobva kuAmerica. Professor Burkett vati zvakakosha kuti vatori venhau vaburitse nhau dzine chekuita nesarudzo nemazvo, uye kuti varemekedze vanhu vanenge vachikwikwidza musarudzo idzi.

Professor Burkett vatiwo vatori venhau havafanire kushandisa mashoko anozvidza vamwe vanhu vanenge vachikwikwidza musarudzo, sezvo izvi zvichizokonzera kuvengana kwevanhu, izvo zvinozopedzisira zvakonzera mhirizhonga munguva yesarudzo. Vatiwo zvakakosha kuti vatori venhau vasatore divi mukuita basa ravo, uye kuti vasanyore nyaya inenge ichibva kumunhu mumwe chete, vasina kunzwawo zvinofungwa nevamwe vanenge vaine chokuita nenyaya dziri kuburitswa.

Vatori venhau vanosvika makumi maviri, avo vanosanganisira vashandi veku Herald, Sunday Maik, ZBC, pamwe nevatori venhau vanoshanda vakazvimirira, vawana mukana wekupinda muzvidzidzo izvi.

Mune imwewo nyaya, sangano reZESN rinoti kunyange hazvo hurumende yakatambira mitemo ine chekuita nesarudzo neChishanu, hapasisina nguva yekuti sarudzo idzi dziitwe muna Kurume nemazvo.

Vari kuongorora sarudzo idzi vakazvimirira voga, vanoti zviri kuitika munyika, hazvisi kuratidza kuti pane gadziriro yesarudzo inogutsa munhu wese, sezvo VaMugabe vari kutsika madziro vachiti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa muna Kurume. Ukuwo mapato anopikisa ari kutiwo sarudzo idzi dzinofanirwa kuendeswa mberi, kuitira kuti pave nenguva yakakwana yekuti mitemo yakavandudzwa iyi, ishandiswe nemazvo musarudzo dzegore rino.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naSachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, kuti tinzwe kuti kuburitswa mugwaro rehurumende re Gazette kwemitemo ye Electoral Laws Amendment Act, POSA, AIPPA ne Broadcasting Services Act kwave kurevei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG