Accessibility links

Breaking News

Harare neChitungwiza Dzoshaya Mvura Svondo Rose


Sangano rinomirira vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, rinoti chiziviso chakaburitswa neZINWA chekuti kuchange kusina mvura kwesvondo rimwe chete muHarare neChitungwiza, chiratidzo chekukundikana kuri kuitwa neZinwa pakufambisa mabasa emvura mumaguta.

ZINWA yakazivisa kuti kubva Muvhuro maguta eHarare neChitungwiza, achange asina mvura kwesvondo rose nekuda kwekushaikwa kwemoto wemagetsi kuMorton Jaffray Waterworks, muHarare.

Kushaikwa kwemvura mumaguta maviri aya, kunonzi kuchatowedzera matambudziko ezvirwere zvemanyoka izvo zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena.

Vanoona nezve kufambiswa kwemashoko muCHRA, VaMfundo Mlilo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ZINWA yava kuhwanda nemunwe nekupa mhosva kuZESA iyo iri kukundikana kutenga mishonga yekuchenesa mvura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG