Accessibility links

Breaking News

Va Biti Voyambira Kuti Munyika Mungangoita Bongozozo Kana Sarudzo Dzisina Kufamba Nemazvo


Nhengo dze MDC shanu dzechidiki, dzakarohwa neMugovera nevarikunzi vatsigiri veZANU-PF ku Mbare apo vanga vachienda kurally yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai wanga uchiitirwa kuNumber 7 grounds ku Stodard Hall kuMbare.

Bato iri razoita zvakare umwe musangano kuDzivaresekwa, apo ranga richiedza kutsangangurira vatsigiri varo kuti riri kuda kuti pave nesarudzo dzisina kubiridzirana uye riri kudawo kuti mapato anopikisa apinde musarudzo idzi akabatana kuti vakwanise kubvisa hurumende yaVaMugabe.

Mutori wedu wenhau Irvin Chifera kuti tinzwe zvaitika neMugovera.

Ukuwo gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa vanoti VaMugabe vakabva kuzororo vakatarisirwa kutaura kuti sarudzo dzichaitwa riini, pamwe nekutanga kutora matanho ekumisa paramende basa, kuitira kuti patsvagwe vamwe vamiriri vemuparamende pasarudzo dzakatarisirwa kuitwa muna Kurume.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro neimwe nhengo yeparamende, VaEdwin Mushoriwa, vakamirira Dzivarasekwa muparamende muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG