Accessibility links

Breaking News

Hupfu Honetsa Kuwana muBulawayo


Guta re Bulawayo rinonzi ratarisana nedambudziko rekushaya hupfu, uho huri kunetsawo kuwana mumadhorobha akawanda ari munyika.

Zvinonzi hupfu hwakapedzesira kuwanikwa muzvitoro zvemuBulawayo pakutanga kwegore rino, zvekuti vanhu vava kurarama nekutenga hupfu uhu pamukoto, apo hunenge huchidhura zvakanyanya..

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remakambani anogaya pamwe nekutengesa hupfu, panyaya yekushaikwa kwehupfu munzvimbo iyi.

Nepamusana pedambudziko iri, zvinonzi sangano re Consumer Council of Zimbabwe, pamwe nemasangano anomirira makambani anogaya hupfu, vaita musangano wechimbi chimbi wekuzeya dambudziko iri.

VaLuxon Zembe inyanzvi munyaya dzehupfumi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaZembe kuti tinzwe kuti seyi hupfu hwava kuramba huchinetsa kuwana munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG