Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mupepeti weKwayedza VaGervase Chitewe, Voradzikwa muHarare neChishanu


Vaimbove mupepeti mukuru webepanhau reKwayedza, VaGervase Chitewe, avo vakashaya neChitatu mushure mekurwara nechirwere chegomarara repamapapu, kana kuti lung cancer, vari kutarisirwa kuradzikwa muHarare neChishanu.

VaChitewe vakashaya vave nemakore makumi matanhatu nemana ekuberekwa. VaChitewe vakaberekerwa kuMhondoro muna 1944, vakashanda semutori wenhau vari mubazi rinoona nezve kuburitswa kwemashoko.

VaChitewe vakasiya bazi rezve kuburitswa kwemashoko, vachienda kunoshandira Zimpapers muna 1985. Muna 1991, VaChitewe vakakwiridzirwa pachinzvimbo chemutevedzeri wemupepeti mukuru weKwayedza.

Pakasiya basa mupepeti mukuru weKwayedza, Va Paul Chidyausiku muna 1992, VaChitewe vakabva vapihwa basa rayiitwa naVaChidyausiku.

VaChitewe vakazoenda pamudyandigere muna 2005. Pari zvino vanhu vanonzi vakaungana pamba paVaChitewe panhamba 325 Bramble Lane, ku Waterfalls muHarare.

Mutungamiri weZimbabwe Union of Journalists, Va Mathew Takaona vakashanda naVa Chitewe kwenguva yakareba.

VaTakaona vaudza mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba kuti vatori venhau pamwe nevanoverenga bepanhau reKwayedza, varasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaChitewe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG