Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanobva kuZimbabwe Voshungurudzwa muSouth Africa


Mashoko atiri kutambira anoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kugara zvakashungurudzwa munyika iyi.

Svondo rapera, zvizvarwa zvemu South Africa zvinonzi zvakarova, pamwe nekupisa zvinhu zvevanhu vanobva kuZimbabwe vari kugara kuSoshanguve muPretoria. Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinoti mhirizhonga iyi yakaitika zvechokwadi, uye mapurisa akanonoka kubatsira vanhu vairwiswa.

Mutauriri wegurukota rinoona nezve kuchengetedzwa kwemukati menyika muSouth Africa, VaMantshele Tau, varamba kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushungurudzwa munyika mavo.

Muzvare Anna Moyo igweta rinoshanda ne Zimbabwe Exiles Forum.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Moyo kuitira kuti tinzwe kana chiri chokwadi kuti kushungurudzwa kwezvizvarwa zvemuZimbabwe kuri kuramba kuchiitika mu South Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG