Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyambira Vanhu Kuti Vasaite Mhirizhonga Panguva Yesarudzo


Mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Oliver Mandipaka, vanoti mapurisa haasi kuvhunduka kuti munyika mungangove nezhowezhowe panguva yesarudzo.

Nezuro, Police Commissioner-General, Augustine Chihuri, vakapa yambiro yekuti vanopikisa vose, havafanirwi kukonzera mhirizhonga, uye vanofanirwa kushambadzira nezvemapato avo murunyararo.

Vanoongorora zviri kuitika munyika vanoti hurumende iri kutya kuti zvakaitika muKenya, zvingangoitika muZimbabwe kana sarudzo dzisina kufamba zvakanaka.

Asi Chief Superintendent Mandipaka vaudza mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba kuti hazvisiri izvo zvapa kuti VaChihuri vape yambiro yakadai.

Tichiri panyaya iyi, mamwe mashoko anoti hurumende ine hurongwa hwekuwedzera huwandu hwemapurisa kakapetwa kaviri, asi VaMandipaka varamba mashoko aya.

Carole Gombakomba weStudio7 aita zvakare hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vanova zvakare Executive Director ve Center for Research and Development,Va Farai Maguwu, avo vanoti zviri pachena kuti hurumende ichaita zvose zvainogona kuwedzera huwandu hwemapurisa kuitira kuti vadzivirire bongozozo sezvo dzimwe sarudzo munyika dzisina kufamba zvakanaka.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG