Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa Kwemari Yekunze Kokonzera Kushaikwa Kwemishonga Munyika


Kushaikwa kwemari yekunze kunonzi kwakonzera kushaikwa kwemishonga muzvitoro zvinotengeswa mishonga akazvimirira oga, izvo zvoita kuti mishonga mishoma ichiri kuwanikwa ikwire mitengo zvakanyanyisa.

Izvi zvinonzi zvave kuita kuti vazhinji vanorarama nemishonga iyi, vatadze kuitenga, zvinozoisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanoshandisa mishonga yeHigh Blood Pressure nediabetes vanonzi vava kuda mari iri pakati pe$18 million ne$25 million pamishonga yekunwa nguva inenge yakatarwa nachiremba.

Vanorwara neasthma vanonzi vave kuda mari ingangoita $18 million kutenga zvinoda kushandiswa. Dambudziko iri ranyanyooma sezvo mishonga mizhinji ichitengwa kunze kwenyika.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezve hutano uye vachimirira Kwekwe mudare reparamende, VaBlessing Chebundo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti komiti yavo ichaedza gore rino kuti zvitoro zvemishonga zvakazvimirira zvoga zvipiwe mari yekunze neRBZ kuti zvikwanise kutenga mishonga iyi, vakatiwo dambudziko iri rakatarisanawo zvekare nezvitoro zvehurumende zvinotengesa mishonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG