Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzikazve Mitemo Yemitengo Yezvinhu Zvekunze


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaLuckson Zembe, vayambira hurumende kuti zvairi kuda kuita zvekuenderera mberi nekutara mitengo yezvinhu zvichapa kuti vanhu vapinde mumigwagwa vachiratidzira.

VaZembe vanoti izvi zvikaitwa, zvinhu zvichatangazve kushaikwa muzvitoro. Mashoko aVaZembe anotevera hurongwa hwehurumende, kuburikidza nebazi rezvemakambani nekutengeserana, iro riri kuda kutangazve kuomesera vanhu panyaya dzemitengo. Studio7 haina kunzwa kugurukota rebazi iri, VaObert Mpofu.

Asi sachigaro weNational Incomes and Pricing Commission, VaGodwills Masimirembwa, vanoti kutanga neChina vari kuzoburitsa mumapepanhau mitengo yezvekudya zvekunze, izvo zvinonzi zvazara muzvitoro sezvo vanogadzira zvinhu vakawanda, vakarega kana kuti vari kugadzira zvinhu zvishoma nekuda kwemitemo yehurumende.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro naVaMasimirembwa kuti tinzwe hurongwa hwehurumende panyaya yemitengo yezvinhu

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG