Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Misangano naVaJacob Zuma neCOSATU


MDC inonzi iri kuita misangano muchivande naVaJacob Zuma avo vakasarudzwa kutungamira ANC uye sangano revashandi reCOSATU. NeMuvhuro National Executive Committee yeANC yatiwo VaZuma ndivo vachamiririra bato iri musarudzo dzemuna 2009.

Asi mutauriri weMDC VaNelson Chamisa varamba mashoko aya vakati vanotaura neANC sebato kwete vatungamiri vakazvimirira. Misangano iyi yakatanga svondo rapera uye iri kutarisirwa kuenderera mberi munguva inotevera.

MDC inechivimbo chekuti kana VaZuma votungamira South Africa vangangovabatsira kugadzirisa dambudziko reZimbabwe.

VaJoy Mabhenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari Director weZimbabwe Coalition on Debt and Development vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hapana chakaipa kuti MDC itaure naVaMbeki pamwe naVaZuma panguva imwe chete.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG