Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Danho Rehurumende Rekupa Vashandi Vezvehutano Mari Zvisina Tsarukano


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti matanho arikutorwa nehurumende ekupa vamwe vashandi vehurumende mari zvisina tsarukano, anogona kuderedza zvakare huremu hwedhora remunyika, sezvo hurumende isina mari, uye yave kuramba ichingodhinda imwe mari.

Svondo rapera hurumende yakapa vashandi vose vemuzvipatara zvehurumende mari inosvika 100 million pamunhu wega wega, zvisina tsanangudzo yekuti mari iri ndeyeyi.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro na Director veLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, avo vanoti kunyange hazvo 100 million isiri mari yakawanda, hurumende haina mari yekungopa vanhu nenzira iyi, uye hazvisi pamutemo kumanikidza vanhu kuti vatore mari sechikwereti vozomanikidzwa kuidzosera.

Zvichakadaro vana mazvikokota munyaya dzezveutano vashoropodza bazi rezveutano neCommission inofambisa basa muHarare pamwe nesangano reZimbabwe National Water Authority (ZINWA) nekutadza kwavo basa kwaita kuti vagari vemuHarare vabatwe nezvirwere zvemanyoka.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG