Accessibility links

Breaking News

Vatongi neVachuchisi Vozeya Mari Dzavakawedzerwa neHurumende


Vatongi vemumatare emagistrate pamwe nevachuchisi, avo vari kuramwa mabasa, vanonzi vasangana neMuvhuro muHarare, vakazeya nyaya yekuwedzerwa kwemari dzavanotambira.

Hurumende inoti yakawedzera mari dzavo ne 600%. Vane ruzivo nezve musangano uyu vaudza Studio7 kuti vatongi ava vazeya nyaya iyi, asi hazvisi kuzivikanwa kuti musangano uyu wabuda nezvisungo zvakadii.

Hatinawo kukwanisa kubata vakuru vanga vachitungamira musangano uyu. Vatongi nevachuchisi vakatanga kuramwa mabasa muna Gumiguru, vachiti vanoda kuti mari dzavo dziwedzerwe ne 900%.

Vamwe vakamboshanda semuchuchisi mukuru, avo vasina kuda kudomwa nezita, avo vane ruzivo nezve musangano waitwa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende infanirwa kutarisawo zvimwe zvinhu zvakaita sedzimba dzakanaka nemotokari dzekufambisa kuvashandi vemumatare ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG