Accessibility links

Breaking News

ZESN Yoshora Kutarwa Kwemiganhu Yenzvimbo Dzichaitirwa Sarudzo


Zvichitevera mashoko eZimbabwe Electoral Commission, ekuti vapedza chirongwa chekutara miganhu yematunhu achaitirwa sarudzo, masangano akazvimirira oga anoona nezvesarudzo anoti ichi chave chiratidzo chekuti gadziriro yesarudzo, yakora muto.

Sachigaro veZEC, VaGeorge Chiweshe, vanoti zviri pachena kuti sarudzo dzichaitwa muna Kurume, uye vave kutoendesa gwaro ravo kuna VaMugabe.

Vanoongorora zvinoitika musarudzo vanoti kunyange hazvo hurumende yagara ichiita basa iri, isingashandi pamwe chete nemapato anopikisa, izvi zvatoratidza nechakare kuti hurumende yeZANU-PF, iri kuita zvido zvayo, izvo zvinogona kuita kuti sarudzo idzi dzinge dzisina kuchena.

Mamwe mashoko anoti pazvigaro mazana maviri negumi zvemuparamende, ZEC yakapa ma constituencies 143 kumaruwa maguta akangowaniswa 67 constituencies chete.

Mutori wenhau we Studio 7,Carole Gombakomba aita hurukuro na sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, avo vanoti sangano ravo harinawo ruzivo nezvegwaro rakanyorwa neZEC iri.

Studio7 yaita zvakare hurukuro naSenior Program Officer musangano re Electoral Institute of Southern Africa-EISA, Muzvare Belinda Musanhu, kuti tinzwewo pfungwa dzavo pane zviri kuitika izvi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG