Accessibility links

Breaking News

Mari Yoramba Yakanetsa Kuwana Mumabhanga


Dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuenderera mberi munyika.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti munyika mune mari inosvika $67 trillion chete, iyo iri kushandiswa, kunyange hazvo munyika muchida mari inodarika $700 trillion .

Studio Seven haina kukwanisa kutaura nemutungamiri weBankers Association of Zimbabwe, Amai Phindie Nyandoro, kuti tinzwe zviri kuitika mumabhanga.

Mumaguta eHarare neBulawayo, zvinonzi manga muchiwanikwa mari shoma, ukuwo kuChinhoyi mabhanga anga achipa mari ndeye Barclays, Zimbank, neStandard Chartered.

Amai Masciline Mberi mugari muChitungwiza, uyo anga achitsvaga mari paCABS muHarare.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMai Mberi kuti zvinhu zvanga zvakamira seyi mumabhanga pavaenda kunotsvaga mari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG