Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Ichatsigira Vane Zvido Zvevashandi


Sangano revashandi reZCTU rinoti richatsigira vanhu vane ushamwari nevashandi musarudzo dzeparamende nedzeseneti dzichaitwa gore rino.

Sangano iri rinoti riri kutora danho iri kuitira kuti vamiriri veparamende vavanenge vatsigira, vatsigire kudzikwa kwemitemo inorerutsira vashandi, zvisineyi nekuti ndeve bato ripi.

Sangano iri rinoti rakadzidza musarudzo dzapfuura kuti vazhinji vevanhu vaisarudzwa kuve nhengo dzeparamende, vanhu vasina hany’a nevashandi, izvo zvaizoita kuti vaise mitemo inoomesera vashandi.

ZCTU inoti rimwe dambudziko riri kutarisana nevashandi, nderekuti vari kusarudzwa senhengo dzeparamende kana seneti, ndivo zvakare varidzi vemabhizimusi, avo vanenge vachida kudzvinyirira vashandi.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vachateedzera dzimwe nyika dzakaita seAustralia neSouth Africa idzo dzine masangano evashandi ari kutsigira vatungamiri venyika nevamiriri veparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG