Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa Kwevashandi Vemumatare Koenderera Mberi


Kuramwa mabasa kwevashandi vemumatare edzimhosva, avo vanosanganisira vatongi nevachuchisi, kuchiri kuenderera mberi sezvo hurumende isati yavawedzera mari dzemihoro dzavari kuda kuti dziwedzerwe.

Zvinonzi vatongi nevachuchisi ava, vari kungoenda kumabasa vachinoungana panze kana kungomira-mira vasina zvavari kuita. Kuramwa mabasa uku kwakatanga mukupera kwaGumiguru wegore rapera.

Mhosva dzakawanda dzinonzi dziri kungoendeswa mberi uyewo zvinonzi vatongi vepamusoro, vachibatsirwa nemapurisa, ndivo vari kungobatsirana mukunzwa mhosva dzinenge dzichinzi ndedze chimbi-chimbi.

Vatongi vematare vari kutambiriswa mari dzinoita $20 million pamwedzi, idzo dzisina chadzichatenga nekuda kwekuoma kwaita zvinhu munyika.

Munyori anoona nezvemutemo muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai uye vari gweta, VaInnocent Gonese, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chiitiko ichi chiri kukanganisa vakamirira kutongwa pamwe nevafakazi avo vari kufamba nzendo refu vachisvikoudzwa kuti mhosva hadzikwanisi kunzwikwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG