Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano dzeMDC neZanu PF Dzombomiswa Sezvo VaMbeki Vakabatikana


Nhaurirano pakati peZanu-PF neMDC dzange dzichitarisirwa kutanga neChitatu dzambomira sezvo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanova mutongi gava panyaya iyi, vasina kudaidza vari kumiririra mapato maviri aya, sezvange zvakatarisirwa.

Nhaurirano dzakambomira nekuda kwekusawirirana panyaya yebumbiro remitemo uye zuva resarudzo.

Zanu-PF inonzi haisi kuda kuti paitwe bumbiro remitemo uye iri kuda kuti sarudzo dziitwe muna Kurume. Asi MDC iri kuramba kutambira pfungwa idzi.

Asi vamwe vakuru muhurumende yeSouth Africa vanoti nyaya yeZimbabwe yambosendekwa sezvo VaMbeki vari kumboenderera mberi nehondo yavo naVaJacob Zuma, avo vakavakunda musarudzo dzekuva mutungamiri we ANC.

Svondo rinouya, kune musangano weNational Executive Council yeANC, uko VaZuma naVaMbeki vari kutarisirwa kutatsurana zvekare.

Vanotsigira VaZuma vaudza Studio 7 kuti varikuda kubvunzisisa VaMbeke nezvenyaya yekuti ivo ndivo varikupesvedzera kuti VaZuma vatongerwe nyaya yehuori.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti VaMbeki vamomoterwa nenhamo zvekuti nyaya yeZimbabwe yatombosendekwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG