Accessibility links

Breaking News

Gore ra2007 Ranga Risina Kumira Zvakanaka Munyaya Dzehutano


Vanoongorora zviri kuitika mune zvehutano munyika, vanoti zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano mugore ra 2007.

Nyaya dzanga dzichinyanyonetsa, dzinosanganisira kuramwa mabasa kwavana chiremba vachiri kudzidzira mabasa, vana mukoti, pamwe nekushaikwa kwezvinoshandiswa pakurapa vanhu muzvipatara.

Kushaikwa kwemagetsi nemvura, zvimwewo zvezvinhu zvakaita kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka kunyanya muzvipatara zvehurumende. Kana izvozvipatara zvakazvimirira zvoga, zvinonziwo zvakatarisanawo nedambudziko pakuedza kurapa varwere.

Vamwe vanotiwo izvi zvinogona kuramba zvakadaro mugore ra 2008, kana kukasava neshanduko mune zvematongerwo enyika, pamwe nezvehupfumi.

Mutori wenhau weStudio 7,Carole Gombakomba ataura navana chiremba vari muzvipatara, ndokutipa nyaya inotevera.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG