Accessibility links

Breaking News

VaMahoso Voshoropodza VaGono Panyaya Yekushaikwa Kwemari?


Vanoongorora zvinoitika munyika uye vari muzvinafundo, Doctor Tafataona Mahoso, avo vanova zvakare sachigaro weMedia and Iinformation Commission, vanoti tsanangudzo dzakapiwa pamusoro pekushaikwa kwemari munyika, hadzina hudzamu hwekuratidza kuti kwaitorwa sedambudziko rinoda kutarisiswa.

Vachinyora mubepanhau reSunday Mail, VaMahoso vakati kushaikwa kwemari uku kwakaitwa kuitira kuti kukanganise chimiro chenyika kumusangano weEU-AU Summit wakaitirwa kuPortugal, uye kuvhiringidza hurongwa hweZanu PF.

VaMahoso vanoshora bhanga guru renyika, vachiti tsananguro dzariri kupa kuti chii chakaitika kumari dzevanhu, hadzina maturo. VaMahoso vanoti vari kutungamira munyaya dzemari, vanhu vasina kufanira kunge vachiita basa iri.

Vazhinji vari kuona kunge mashoko aya akanga akanangana nagavhuna weRBZ, VaGideon Gono.

Nyanzvi mune zvehupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, vaudza Jonga Kandemiiri kuti mashoko aVaMahoso aya ane chekuita nezve makakatanwa ari mubato reZanu PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG