Accessibility links

Breaking News

Zvakabuda Musarudzo kuKenya Zvoonekwa Seyambiro kuMDC


Mashoko ari kubva ku Kenya anoti kwafa vanhu vanodarika gumi nevashanu kubva pakatanga kurwisana vanhu nemusi weMugovera. Asi vanhu vafa mumhirizhonga munguva yesarudzo vanonzi vapfuura zana nemakumi mashanu. Mhirizhonga iri kuenderera mberi pakati pevatsigiri vemutungamiri wenyika iyi, Va Mwai Kibaki avo vakakunda Va Raila Odinga, mutungamiri webato reOrange Democratic Movement musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Hurumende iri kupomera vatsigiri vaVaOdinga mhosva yekukonzera mhirizhonga, ukuwo bato raVaOdinga riri kupomera VaKibaki mhosva yekubiridzira musarudzo idzi. Ukuwo vamiriri veEuropean Union vakanga vachiona kufambiswa kwesarudzo idzi, vanoti havasi kufara zvachose nemaverengero akaitwa sarudzo idzi.

Bato reODM rakapinda musarudzo idzi rine mativi maviri mushure mekunge rapatsanuka sezvakaita bato reMDC muna Gumiguru 2005. Divi guru reODM riri kutungamirwa naVa Odinga, uye rimwe divi reODM-Kenya riri kutungamirwa naVa Stephen Kalonzo Musyoka. Mavhoti aVaOdinga dai akasanganiswa nemavhoti aVa Kalonzo, aikwanisa kudarika ayo akawanwa naVa Kibaki.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti izvi zvinogona kuitika kuMDC, kana ikapinda musarudzo idzi zvikwata zviviri zveMDC zvisina kubatana.

VaPedzisai Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti zvakabuda musarudzo dzemuKenya chidzidzo dzachakosha kubato reMDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG