Accessibility links

Breaking News

Mari Yonetsa Kuwana kuMabhanga


Mashoko atiri kutambira anoti mari iri kuramba ichinetsa kuwana munyika, kunyange hazvo mabhanga anga akavhurwa neChina.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura neReserve Bank kuti timzwe kana chiri chokwadi kuti vanhu vanhu vashoma vari kukwanisa kuwana mari.

Vanoziva nezve nyaya iyi vanoti kwaMutare mabhanga akawanda ari kupa vannhu mari inosvika $10 million dollars chete pazuva.

MuHarare mabhanga akaita se CABS, Beverly, CBZ, neBarclays Bank, anoti ari kupa vanhu mari inosvika makumi mashanu emamiriyoni emadhora.

VaArnold Chimuza vanogara kuKuwadzana, muHarare.

VaChimuza vanoti vakundikana kuwana mari yavo nhasi pavaenda kubhanga.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChimuza kuitira tinzwe kuti zvinhu zviri kufamba seyi kumabhanga

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG