Accessibility links

Breaking News

RBZ Yopererwa Nemazano Panyaya yeMari


Bhanga guru renyika reRBZ rinoti richapa mibairo kune vanenge varizivisa nezve vanhu vari kuchengetera mari dzakawanda kudzimba uye vezvitoro vari kuchaja mari kuvatengi vanenge vachitenga nemacheki.

Dura remari yenyika iri rinotiwo matambudziko ekushomeka kwemari ari kutarisana nenyika pari zvino ari kukonzerwa nevari kuchengeta mari mudzimba dzavo.

Vachiparura hurongwa hwemari uye mabearer cheque matsva svondo rapera, gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vakati vane mazita evamwe vakuru muhurumende vari kuita zvehuwori nemari. VaGono vakatiwo vakazvipira kuti vafushunure chokwadi kana vakapiwa mukana wekuita izvi nekomiti yeparamende inoona nezveupfumi.

Asi kusvika pari zvino, hapana vanhu vati vafumurwa naVaGono.

VaJohn Mufukare, nyanzvi mune zvemari uye vari executive director weEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kutambisa mari kuti RBZ ibhadhare vanenge vafumura vane mari ava ivo VaGono vachiti vanovaziva nechakare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG