Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yoshambadzira Sarudzo Dzegore Rinouya


Sangano reZESN rinoti, kunyange hazvo mapato ezvematongerwo enyika, akatenderana kuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo, bato ratotanga kushambadzira ndere ZANU-PF chete sezvo mapato anopikisa asina zvaatanga kuita.

Zimbabwe Electoral Commission inotiwo yakatarisira kuti kutarwa kwemiganhu yenzvimbo dzichavhoterwa, kuchapera neMuvhuro, zvichireva kuti mapato haasati akwanisa kushambidzira nezve vachange vachikwikwidza musarudzo dzegore rinouya.

Pakangopera congress yeZANU-PF, bato iri rinonzi rakabva ratowedzera kushambadzira, panhepfenyuro, nemu mapepanhau ehurumende.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naSachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, kuti tinzwe kuti zvinhu zvakamira sei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG