Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeAnglican Church Dzotashurirana Bishop Kunonga naBishop Bakare


Kereke yeAnglican yatarisana nedambudziko rekurwisana kwehutungamiriri zvichitevera kubva kwakaita Bishop Nolbert Kunonga pahutungamiri hwe dioscese yemuHarare.

Nemusi weSvondo nhengo dzekereke yeAnglican Church muBorrowdale, dzinonzi dzakaramba kutambira Bishop Sebastian Bakare, avo vakagadzwa kuti vafanotungamira diocese yemuHarare kwegore.

NeChipiri, paSt Paul’s Anglican Church yemuMarlborough, panonzi pakaita zvakare bongozozo, apo mumwe mufundisi akatanga kurova mufundisi akanga anamatira Bishop Bakare, izvo zvakazoita kuti padaidzwe mapurisa.

Vamwe vari mukereke yeAnglican vanoti Bishop Kunonga, avo vanotsigira VaMugabe, vakasiya vadzika vafundisi, vari kufungidzirwa kuti vasori. Iye zvino Bishop Bakare vanonzi vari kuedza kubvisa vafundisi ava, asi vari kuramba. Izvi zvaita kuti dzimwe nhengo dzibvumirane kusabvisa mari mukereke, sezvo vasiri kufara nezviri kuitika.

Nhengo dzekereke iyi dzinonzi dzakabudawo mukereke yepa St Peter’s muMabelreign, dzikasiya mufundisi ari ega, sezvo vasiri kufara nekutsigira kwaari kuita Bishop Kunonga.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaJohn Masuku, nhengo yekereke ye Anglican muMabelreign, kuti tinzwe zviri kukonzera dambudziko rapinda mumakereke iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG