Accessibility links

Breaking News

Vanoshandira Hurumende Voronga Kuita Nhengo dzeZCTU?


Mashoko atatambira anoti sangano rinomirira vashandi vehurumende rePublic Service Association, kana kuti PSA, rakanyorera sangano revashandi reZCTU tsamba richikumbira kuti rive nhengo yesangano iri.

Vane ruzivo nezviri kuitika pakati pePSA neZCTU vaudza Studio 7 kuti PSA yakatozivisa masangano anosanganisira Zimbabwe Teachers Assocoation, ZIMTA, neProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ nezve hurongwa uhwu.

Studio 7 yatadza kubata mutungamiri wePSA, Amai Cecilia Alexander-Khowa, kuti tinzwe zvikonzero zvaita kuti vade kubatana neZCTU. Tatadzawo zvakare kubata vatungamiri veZCTU, sezvo nhare dzavo dzanga dzichinetsa.

Asi nyanzvi munyaya dzevashandi, VaDavies Ndumiso Sibanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti PSA inokwanisa kupinda muZCTU kana mitemo yevashandi vehurumende yakashandurwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG