Accessibility links

Breaking News

RBZ Inoti Inflation Yasvika pa24,000%


Reserve Bank of Zimbabwe inoti inflation yakwira kusvika pa24,000% mumwedzi waMbudzi. Muna Gumiguru inflation inonzi yange iri pa14,000%.

Inflation itsva iyi iri kupihwa kumakambani nekumabhanga kuti vakwanise kugadziridza mabhuku avo emari.

Mutemo wemabhanga unosungira kuti RBZ iite izvi. Central Statistical Office, iyo inofanira kuita basa iri, inoti muzvitoro hamuna zvinoyereswa inflation zvakafanana nezvekudya.

VaProsper Chitambara nyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

VaChitambara vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG