Accessibility links

Breaking News

Kuvandudzwa Kwemimwe Mitemo Kokonzerazve Mutauro


Svondo rino matare eParamende nereSeneti akatambira kuvandudzwa kwemitemo mina inoti AIPPA, POSA, Broadcasting Services uye Electoral Laws Amendment bill.

Mitemo iyi yakavandudzwa zvichitevera nhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC neZanu-PF, idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Asi sechava chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, hapana kuwirirana munyika, sezvo vamwe vari kuti mitemo iyi hapana zvizhinji zvainogadzirisa munyika. VeMDC vanotiwo mitemo iyi iri nani pane zvange zviripo.

Asi masangano akazvimirira oga anoti hapana chachinja uye MDC iri kubatwa kumeso neZanu-PF.

Mukuzeya nyaya iyi, mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro naVaInnocent Gonese, chief whip weMDC muparamende, pamwe naVaEarnest Mudzengi, National Director weNCA.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG