Accessibility links

Breaking News

Hurukuro dzeMDC neZanu-PF Dzotarisirwa Kupera Gore Rinouya


Nhaurirano pakati peZannu-PF neMDC, idzo dzange dzichitarisirwa kutanga muSouth Africa neChishanu, dzave kutarisirwa kutanga gore rinouya musi wa 2 Ndira.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrcik Chinamasa, vati havakwanise kuenda kuSouth Africa, sezvange zvakatarisrwa, sezvo vaine nyaradzo yemwana wavo mukupera kweSvondo. Zvinonziwo munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanenge vakabatikanawo.

Izvi zvave kureva kuti vanhu vave kupedza gore vasingazive kuti sarudzo dzichaitwa here kana kuti kwete, sezvo MDC iri kuti pakasavandudzwa bumbiro remitemo, uye kushandura mwedzi uchaitwa sarudzo, haioni ichipinda musarudzo dzemuna Kurume.

Ukuwo Zanu-PF iri kutsika madziro ichiti haisi kuzounza bumbiro remitemo, kana kuchinja zuva resarudzo. Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo vave kutarisirwa kupedza gakava iri.

VaGlen Mpani avo vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti nyaya yekuendesa mberi nhaurirano iyi inoodza moyo yevakawanda munyika vari kuda kuti dambudziko reZimbabwe ripere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG