Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Yoramba Yakatarisana Nedambudziko Rekuwana Mvura Yakachena


Kunyange hazvo kunaya kwemvura kuri kuenderera mberi munyika, dhorobha reBulawayo riri kuramba rakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura. Kunyange madhamu anopa guta iri mvura akazara ose, rwendo runo chanetsa inyaya yemishonga yekuchenesa mvura iyi kuitira kuti ishandiswe mudzimba.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa neChina nekomiti inoona nezvemvura mukanzuru yemuBulawayo. Bulawayo yakambomira kudhonza mvura kumadamu mana, mushure mekunge apera mvura.

Ntungamili Nkomo weStudio 7 aita hurukuro naVa Peter Mangena, avo vanova kanzura, uye vari mukomiti yezvemvura avo, vanotsvanangura nezvedambudziko remvura iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG