Accessibility links

Breaking News

Vatori Venhau Vonyunyuta Nemavandudzirwo Aitwa AIPPA, neBroadcasting Services Act


Masangano anomirira vatori venhau anoti haasi kufara nemavandudzirwo ari kuitwa mitemo ye AIPPA pamwe neBroadcasting Services Act, iyo yatambirwa nedare reseneti neChitatu.

Mabhiri aya akatambirwa nedare reparamende neChipiri, ndokubva aendeswa kuseneti.

Masangano anoti Zimbabwe Union of Journalists, MISA-Zimbabwe, pamwe, ne Media Monitoring Project of Zimbabwe, anoti vatori venhau vanofanirwa kusiiwa vega vachizviongorora mashandiro avo, sezvinoitwa munyika dzakawanda.

VaAbel Chikomo ndivo Advocacy Co-ordinator weMedia Monitoring Project of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChikomo kuti vatsanangure kuti seyi vasiri kufara nemitemo iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG