Accessibility links

Breaking News

VaGono Vombomisa Kuparura Hurongwa hweMari Itsva


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vambomira kuparura mari itsva iyo yanga ichingotarisirwa kuva munyika chero nguva kwemasvondo akati wandei.

Vachitura hurongwa hwemari uhwo vati hunonzi "Sunrise Two," VaGono vati kutanga neChina, mabearer cheque matsva anobvira pa$250 000.00, $500 000.00 ne$750 000.00 achange ava kushandiswa munyika.

Ma bearer cheque aripo iye zvino e$200 000.00 anenge asisashanda kubva musi wa31 Zvita gore rino. Izvi zvava kureva kuti vose vane mari iyi vanofanirwa kunge vadziisa kumabhangi, sezvo kubva musi wa 1 Ndira 2008 dzinenge dzisisashandi.

Vanenge vaine mari inopfuura $50 million yavanenge vachida kuisa kumabhanga, vanosungirwa kunyora mafomu anoratidza kuti mari iyi vakaiwana kupi.

VaGono vati rwendo rwuno hapana achatsvaga mari ine munhu uye hapana maroadblock achaiswa, asi vose vachaisa kumabhanga mari inopfuura $50 million vachafanirwa kuzivisa vashandi veRBZ, veZIMRA neveAnti-corruption avo vachange vari mumabhanga.

VaGono varamba pfungwa yekuti vabvise mamwe mazero vachiti izvi zvinokonzera vemabhizimusi kuti vakwidze mitengo yezvinhu, izvo zvinozoomesera veruzhinji.

Vari kumaruwa vachapihwa mukana wekuisa mari dzavo kumabhanga kuburikidza nevashandi veRBZ avo vachapinda mumaruwa vachitora mari idzi. Asi VaGono vati madzishe anofanirwa kungwarira vaenzi vachange vachipinda mumatunhu avo nemazimotokari makuru, sezvo vanhu ava vachange vachitsvaga kwekudira mari dzavanenge vainadzo, idzo vanenge vatya kunoisa kumabhanga. VaLuxon Zembe inyanzvi munyaya dzezve hupfumi.

Muhurukuro yataita naVaZembe VaGono vasati vaparura hurongwa hweSunrise Two, VaZembe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotsigira pfungwa yekumisa kuparurwa kwemari itsva sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzeupfumi, izvo zvinozoita kuti mari iyi ingoita sema bearer cheque.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG