Accessibility links

Breaking News

Seneti Inotambira Mabhiri Mana Muzuva Rimwe Chete


Dare reSenate neChitatu rakazeya rikatambira mitemo mina yakapasiswa nedare reparamende neChipiri.

Senate yaitawo chimbi chimbi kutambira mitemo iyi muzuva rimwe chete sezvakaitwa nedare reparamende neChipiri. Mitemo iyi inosanganisa AIPPA, POSA, Broadcasting Services Bill, uye Electoral Laws Amendment Bill.

MDC inoti iri kufara zvikuru nekuvandudzwa kwemitemo iyi. Asi MDC inoti haisati yave nechivimbo chekuti mitemo iyi ichatevedzerwa nehurumende pamwe neZanu-PF.

Mitemo iyi ikatevedzerwa, inenge yopa vanopikisa mukana wekuita misangano vasingavhiringidzwe nemapurisa, pamwe nekubudawo padzinhepfenyuro zvakafanira.

Pasi pemutemo weElectoral Laws Amendment Bill, mapato anopikisa anenge opihwa gwaro rine mazita evanhu vanovhota, kana kuti Electronic Voters Roll.

VaInnocent Gonese ndivo Chief whip weMDC .

VaGonese vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti electronic voters roll ichavabatsira zvikuru musarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG