Accessibility links

Breaking News

Musangano weZanu PF Unopera Nemakakatanwa


Paita kupotserana kwemazwi makobvu nematete pamusangano we ZANU-PF Extra Ordinary Congress, uyo wapera neChishanu muHarare.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi uyo ari muHarare, nyaya yanetsa yanga iri yemutungamiri wevaimbova varwiri vehondo verusununguko, Va Jabulani Sibanda, avo varambidzwa kutaura pamusangano uyu.

Tichiri panyaya yemusangano weZANU-PF, gavhuna we Reserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vanonzi vataura mashoko ekuti nhengo dze ZANU-PF dzakawanda, ndidzo dziri kukonzera kudzikira kwehupfumi hwenyika. Izvi ndizvo zvakataurwawo naVaMugabe neChina

VaGono vanonzi vati vakuru vakuru muZANU-PF vakawanda, vari kuita zvehuori, uye hurumende inoziva vanhu vari kuita izvi. Zvinonzi VaGono vabvunzwawo nagavhuna we Mashonaland East, VaRay Kaukonde, kuti kana hurumende ichiziva vanhu ava, seyi pasina zvairi kuita pavanhu ava.

VaJohn Makumbe vanodzidzisa zvematongerwa enyika paUniversity of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMakumbe kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zvaitika pamusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG