Accessibility links

Breaking News

Zvirwere Zvemanyoka Zvopararira kuMabvuku neTafara


Zvirwere zvemanyoka nekorera zvinonzi zvabata misha yema ward anoti 19, 20 ne21 muMabvuku neTafara muHarare.

Zvinonzi vanhu vakawanda vari kuramba vachibatwa nezvirwere izvi, zvikuru mumasvondo maviri apfuura uye zvinonzi zviri kukonzerwa nemvura ine tsvina iri kunwiwa munzvimbo idzi.

Vazhinji mumisha iyi vanonzi vari kunwa mvura ine tsvina kubva mumatsime asina kuchengetedzwa. Munzvimbo dziri kuwana mvura yemupombi, zvinonzi mvura iyi iri kunhuhwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kudivi reHarare City Council, uye kuZINWA, iyo inofambisa mabasa ose emvura.

VaBarnabas Mangodza vanowe chief executive officer weCombined Harare Residents Association.

VaMangodza vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sangano ravo rakatozivisa mapazi ehutano nekuwanikwa kwemvura nezvematambudziko aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG