Accessibility links

Breaking News

Vashandi veCrisis In Zimbabwe Coalition Vanosungwa Nemapurisa


Vashandi vaviri veCrisis In Zimbabwe Coalition, pamwe nenhengo yeWOZA imwe chete, vasungwa neChipiri nemapurisa muHarare, panga pachiratidzira nhengo dzeWOZA.

Nhengo yeWOZA yasungwa ndiMuzvare Trust Musiwa. Vashandi ve Crisis In Zimbabwe Coalition vasungwa, ndiAdvocacy Officer vesangano iri, Muzvare Gladys Hlatshwayo, pamwe naMuzvare Maria Matshe. Vaviri ava vanoshanda mubazi rezvekuburitswa kwemashoko musangano iri.

Vatatu ava vapomerwa mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law Codification and Reform Act ndokubva vabvisiswa faindi yemadhora zviuru makumi mana pamunhu.

Nhengo dzeWOZA dzinosvika mazana matatu dzaratidzira muHarare neChipiri, apo dzanga dzichida kunosvitsa gwaro radzo re People’s Charter kuparamende.

Asi vanhu ava vakumbirwa nemapurisa kuti vasarambe vachiratidzira.

Patience Rusere weStudio Seven, atanga nekubvunza gweta revambosungwa ava, VaAndrew Makoni, kuti vasungwa ava, vanga vachipomerwa mhosva ipi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG