Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvinopisirwa Dzimba


Dzimba dzinoda kusvika zana dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara mumusha weMooiplaas, pedyo nePretoria, muSouth Africa, dzakapiswa usiku hweMuvhuro zvichitevera kurwiswa kwavakaitwa nezvizvarwa zvemunyika iyi.

Kurwiswa uku kunonzi kwakaitika mushure mekunge zvizvarwa zveSouth africa zvapomera zvizvarwa zveZimbabwe izvi mhosva dzekuba pamwe nehumhondi munzvimbo iyi.

Mooiplaas musha uchakasaririra zvikuru munyaya dzebudiriro. Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri kugara mumisha yakaita seMooiplaas zvichitiza nhamo uye kushungurudzwa munyika.

Gweta reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Annah Moyo, avo vari muPretoria makare muSouth Africa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vazhinji vakarasikirwa nemidziyo yavo yose mumoto uyu.

Muzvare Moyo vatiwo vachakamirira kuti mapurisa atange apedza kuferefeta nyaya iyi kuti ivo vazokwanisa kutorawo matanho.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG