Accessibility links

Breaking News

Archbishop Tutu Votsvaga Nzira Dzekupedza Kutyorwa Kwekodzero Dzevanhu muZimbabwe


Sangano reThe Elders, iro rakavambwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, Va Nelson Mandela, raparura hurongwa hwekushambadzira nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika dzakaita se Zimbabwe, Sudan, Chad neMyanmar (Burma).

Sangano iri rakaumbwa nevanoremekedzwa mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, nevamwewo vaimbove vatungamiri vedzimwe nyika nemasangano ane mukurumbira.

Pakaparurwa chirongwa ichi muSouth Africa neMuvhuro, pakange paina vaimbove mutungamiri we Ireland, Mai Mary Robinson, mudzimai waVa Mandela, Mai Graca Machel, vaimbove mutungamiri weMozambique, VaJoachim Chissano, nasachigaro we sangano iri, Archbishop Desmond Tutu.

Archbishop Tutu vaudza Studio 7 kuti sangano ravo riri kuedza kushanda muchinyararire nevatungamiri vose vane chekuita nematambudziko ari muZimbabwe, kusanganisirawo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vari kuyedza kuyananisa MDC ne ZANU-PF.

Asi vamwe vari mumachechi vari kuti zviri nani kuti sangano iri ritaure pachena nevakuru ava, kwete kuita zvinhu muchivande.

VaAlois Chaumba ndivo National Director ve Catholic Commission on Justice and Peace.

Mutori wenhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaChaumba kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG