Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vachangotanga Basa Voomerwa Nehupenyu Sezvo Vasiri Kutambiriswa


Vana chiremba vachangotanga basa muzvipatara zvehurumende kuBulawayo zve United Bulawayo Hospitals, pamwe ne Mpilo, havasi kuita basa nemwoyo wese, sezvo vari kunyunyuta nepamusana pekunonoka kubhadharwa mari dzavanotambira.

Pakatanga basa vana chiremba ava, zvinonzi vakaudzwa kuti dzavo vachazodzitambira kwapera mwedzi mitatu, zvichireva kuti vaizobadarwa pakutanga pegore rinotevera. Ntungamili Nkomo weStudio 7 ataura Doctor Nduduzo Tshili, avo vanova chiremba mukuru pa Mpilo Hospital kuti tinzwe zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG