Accessibility links

Breaking News

MDC Yorasiswa Pakutarwa Kwematunhu Matsva Achavhoterwa


MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti haisi kufara nezviri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iyo iri kuenderera mberi nekutara matunhu achavhoterwa, nhaurirano dzisati dzapera.

Svondo rapera, ZEC yakazivisa kuti yakatopedza kuumba matunhu achawedzera zvigaro zveparamende zvichakwikwidzwa musarudzo kubva pa120 kusvika pa210.

Mashonaland East yakawedzerwa nezvigaro gumi, Mashonaland West, zvigaro zvipfumbamwe, Mashonaland Central, zvigaro zvisere, Harare gumi nechimwe, Bulawayo zvigaro zvishanu, Manicaland gumi nechimwe, Matabeland North zvitanhatu, Matabeleland South, zvitanhatu, Masvingo, gumi nezviviri uye Midlands gumi nezviviri.

Matunhu eMashonaland ose, ayo anoonekwa sematunhu eZanu PF, akawana matunhu matsva makumi maviri nemanomwe. Asi MDC inoti iyi inzira yeZanu PF yekubira nayo sarudzo sezvo yakaita izvi yega.

Mutauriri we MDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vanoti vachazotaura chete kana vaona magwaro anoratidza nezvekutarwa kwemiganho.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti musangano uchaitwa nebato ravo mukupera kwesvondo ndiwo uchaburitsa gwara richateverwa nebato ravo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG